Nezvedu
Zimbabwe Reads (ZimReads) kureva kuti Zimbabwe ine vaverengi ipfungwa yakavambwa mugore ra2011, uye inokurudzira chido nekahunhu kekuverenga muvanhu veZimbabwe kubudikidza nekugadzira, kutsikisa nekutumira vanhu zvinhu zvekuverenga zvakaita semabhuku, mavhidhiyo nezvinowanikwa paindaneti. Pamusoro pazvo, ZimReads inobatsira vanhu vari munzvimbo dzakasiyanasiyana muZimbabwe kuti vamutsiridze ruzivo rwemitauro yavo nekuvapa zvekubatsira mitauro. ZimReads inoshanda pamwe chete neLiving Tongues Institute for Endangered Languages neYunivhesiti yeZimbabwe.
Nyaya itsva yakanakira iwe chete: Kuputika kwezvibharuma
Nyaya dzevana dzakaburitswa naBhabhu Books. These copyrighted children’s readers can be downloaded for non-commercial purposes (e.g. personal or school use).






