Yakanyorwa naIgnatius T. Mabasa
Handina kumbobvira ndafunga kuti ini nemhuri yangu taigona kushuta firimu rinoita kuti Netflix iite kunge mahumbwe.
Patakavhara zvikoro, takaenda kunodyira Kirisimasi kuNyanga, asi Kirisimasi iyoyo hatina kuidya kana kuinwa. Chete ini kuenda kwangu kuNyanga kwakanga kusinei nenyaya yekunodya, asi chandaida kwaive kumbobuda muHarare ndichienda kunzvimbo ine zita, inoita kuti nditore maselfie hobho ekupota ndichitumira shamwari dzangu, uye mamwe mapikicha ndichikanda pamapeji angu eFacebook neInstagram. Ndaida kuti shamwari dzangu dzigozviona kuti kumba kwedu taisaenda kumaholiday resorts netrip dzechikoro chete.
Tese zvedu takanga tichifara kunge zvibharuma zviri kutorwa nemhepo. Kana ndiri seni ndakanga ndichifara kuti iphone yangu yaitora mapikicha emhando yepamusoro yakanga ichazondibatsira kuti nditore mapikicha ekuti gore raitogona kupera ndichingokanda zvishoma nezvishoma pamaprofile nepamastatus. Iphone yangu ndakanga ndaisiyirwa naTete Alice pavakanga vave kudzokera kuUK mushure mekunge vauya kuzotiona pakutanga kwegore. Kunze kweIphone yangu, ndakanga ndine maGucci square sunglasses andaiti kana ndapfeka nemaShabha andaive ndakarukwa mumusoro, ndaitopotsa ndakwikwidzana naKim Kardashian.
KuNyanga takaenda tiri vashanu – hanzvadzi yangu Piwai yemakore gumi nemaviri, muzukuru wedu Neria aive mufomu 3 seni, baba, amai neni. Takaenda kunzvimbo inoenda vanhu vanenge vachida kuzorora, inonzi, Mount Nyanga. Handizive kuti sei nyangwe nzvimbo dziri munyika medu tichidzishevedza neChiRungu kuti “mount” sekunonzi hatigone kuti Gomo reNyanga. Ungati kana zvikanzi Mount Nyanga zvinobva zvaita kuti riite seMount Everest, Mount Kilimanjaro kana Mount Zion lol. Anyway, chimwewo chakanga chichiita kuti tive nemufaro wakanyanyisa kunze kwekutarisira kunotora mapikicha, nekunozorora tisingabike nekusuka ndiro kana kutsvaira mumba chaive chekuti tese zvedu, kunze kwababa, takanga tisati tamboenda kuNyanga. Taingonzwa kuti KuNyanga kune makomo anoyevedza uye kwakanaka chaizvo. Patakasvika panzvimbo yataizogara kuNyanga takatambirwa nemufaro. Patakapihwa makiyi emataizorara, ndakapotsa ndaridza kamhere kekufara nekuti pataigara paive neWiFi yemahara. Ini naNeria taive nemedu mekurara maive nemibhedha miviri negirazi rekuti unonyatsozviona muviri wese. Mibhedha yacho yaive yakapfava uye muchimbuzi nemekugezera makachena zvinotora mwoyo. Ndakazvikanda pamubhedha wangu ndikati kuna Neria, “Iyi ndiyo Kirisimasi chaiyo. Nditorewo mapikicha ndakazorora pamubhedha. Ndiri kuda kutumira shamwari dzangu dzizive kuti ndasvika kuNyanga and I’m staying in a real hotel kure nekuMadokero.”
Neri akanditora mapikicha akawanda ndikatumira paFacebook nepaInstagram. Takanodya, tikamboona tiivhii tisati tarara nekuti takanga taneta.
Ave mangwana takakurumidza kumuka, tikadya tisati tazotora zvirauro tichibva tadzika kuenda kunzvimbo yataizonopihwa bhoti. Sevanhu vakanga vadya kudya kwemangwanani, takatakura mvura yekunwa chete. Takasvika kunzvimbo yemabhoti tikapihwa mabhachi ekuti kana bhoti redu rikabheuka tisazonyura. Uyu waive mukana wekutorwa mapikicha nekuzvitora maselfie. Takabva tapihwa zvirauro. Mumwe mukana wemapikicha. Munhu wese akanga ane chirauro chake, baba vega ndivo vaive nezvirauro zviviri. Tichitora mapikicha kudaro, takanga tichifara nekutaurisa kudarika vanhu vari mubhawa. Taifarira kunobata hove. Takaudzwa kuti hove dzinowanzobatwa kuNyanga ndedze rudzi rwetrout, magwaya nemiramba. Tese hatina kufarira miramba nekuti yainge nyoka. Asi baba vakati kungofanana nenyoka chinosiyana muramba nenyoka ndechekuti muramba une mapesu sedzimwe hove asi nyoka hadziite mapesu.
“Mapesu chii?” Piwai akabvunza. Baba vakati paChiRungu anonzi fins. “Kana riri rimwe chete rinonzi besu. Tingati mapesu ndiwo mapapiro ehove kana dziri mumvura. Hove dzinoita mapesu mumativi emuviri wadzo pamwe chete nekumuswe kwadzo kuitira kuti dzikwanise kufamba mumvura,” baba vakatsanangura.
Ini ndakabva ndati “Patiri kunoraura apa, dai tikasabata maramba nekuti anondifungidzisa nyoka. Baba vakatiudza kuti tisatye. Vakati zvipuka zvizhinji zvinotyisa zvakafanana nenyoka, hazvidi zvekugara munzvimbo dzine vanhu neruzha. Vakati kunyangwe vanhu vachifarira kuuraya nyoka nekuti vanotya kurumwa, nyoka zhinji dzinosarudza kutiza kana dzaona kuti paita njodzi. Baba vakati chisingazive vanhu ndechekuti nyoka zhinji dzinowanikwa kuNyanga dzinotonyepedzera kufa kuti dzisarwiswe. Tese naamai takashamiswa kuti nyoka inganyepedzere kufa. Zvingaitike izvozvo? Baba vakati kana ukaona nyoka ichinyepedzera kufa, usasvike pedyo nayo nekuti inogona kungoyerekana yamuka ikakuruma kana kukusvipira mumaziso.
Baba vanoziva zvinhu zvakawanda, asi takanga tisingazive kuti vanogona kufambisa bhoti. Patakanga takwira mubhoti tikagara, baba vakarifambisa zvinyoronyoro tichienda mukati memvura asi tiri pedyo nekumahombekombe. Bhoti rakaramba richifamba kusvika tave kwakanga kwakanyarara kuti zii. Isu vanaEsther takanga tichingotora mapikicha. Panzvimbo yatakanga tave yaive pedyo nemiti, mvura yakanga yakasviba kunge Coca-Cola, asi nechepamusoro pairova zuva, yaipenya kunge bhutsu dzemupurisa ari paparedhi. Ini mvura iyi yakange ichindityisa, asi ndakanyanya kutya baba pavakati, “Pano ndipo paticharaura tiri. Hove hadzidi ruzha, saka ngatinyararisei.” Takagadzira zvirauro zvedu tikazvikanda mumvura. Isu vechidiki yakanga iri nguva yedu yekutanga kuraura. Baba vakatiudza kuti vakanga vakadzidziswa nasekuru vavo kuraura vari mukomana. Baba vakati mazuva avairaura, vairaura vari kumahombekombe emvura nekuti vakanga vasina mari yekubhadhara mabhoti uye zvemabhoti zvakanga zviri zvevarungu.
Takanakidzwa zvikuru nekuraura zvekuti ini ndakatozokanganwa zvekutya kwandaive nako. Neria akabata zihove hombe rinonzi gwaya. Akanga ave kutadza kuribuditsa mumvura akazobatsirwa nababa. Mumwe mukana wemapikicha. Ketye, ketye, ketye. Ini ndakabata kahove kadiki, ndikakanzwira tsitsi zvekuti ndakazokadzosera mumvura. Amai vakabata hove nhatu. Uyu Piwai akabata chimuti chakaora. Mumwe mukana wemapikicha. Ketye, ketye, ketye. Baba ndivo vakaita shasha yedu tese nekuti vakabata hove nomwe. Baba vakati nekuti takanga tave kunyanya kutaura, hove dzakanga dzisisadyire. Nekudaro baba vakati tichidzokera. Baba vakafambisa bhoti, tikatanga kudzokera kuye kwatakanga takwirira. Munhu wese akanga ave nenzara, uye takanga tave kutarisira kunodya kudya kwamasikati. Takafamba tichitarisa hove dzatakanga tabata. Dzakanga dzichiri mhenyu uye dzichipota dzichivhinyinguka. Uyu waive mumwe mukana wekutora vhidhiyo. Ndakanga ndichida kukumbira baba kuti tisadzidye. Ndakanga ndichida kuti tigodzokera nadzo kumba kuti vagotitengera girazi rekuti tigodzichengetera tichidzipa chikafu. Patakanga tave kuda kubuda mumahombekombe, takangoyerekana mumvura mabuda zinyoka pedyo nesu zvekuti tese takaridza mhere tichitizira kune rimwe divi.
Piwai ndiye aive akabata chibhaketi chataive taisa hove, asi nekutya zinyoka riye, akabva asimuka achirasira hove dzese mumvura. Ndinofunga kuti hove dzese dzatakanga tabata dzakafara kudzokera mumvura madzinogara. Nekuda kwekuti tese takatizira kurutivi rumwe chete, bhoti rakasara padiki diki kuti ripidiguke. Zinyoka rakanga rabuda mumvura iri raiva dema dema, asi ganda raro richipenya serazorwa mafuta nekuda kwehunyoro hwemvura. Zinyoka riye rakatanga kufamba mumvura richiuya kubhoti redu. Rakanga rakasimudza musoro. Paraifamba mumvura, mvura yakange ichiti pfachu pfachu pfachu kumativi. Tese takanga tisati tamboona zvakadai kunze kwemufirimu. Kana ndiri seni ndakazadzwa nekutya zvekuti ndakanzwa sekuti ganda rekumeso kwangu rananauka sebepa repurasitiki riri kupiswa. Ndakavhara maziso angu kuti ndisaone zvakanga zvava kuda kuitika kwatiri. Ndakafunga kuti kufa kunoda usingakuone. Uyu waive mumwe mukana wemapikicha, asi kutora mapikicha hunge usiri munjodzi. Saka apa pakanga pasina ketye, ketye, ketye. Kana iphone yacho ndakaikanganwa, kana kuti maSquare glasses angu akawira mumvura sei handitoziva. Asi pakanga pachiuya zinyoka riye kubhoti redu, zvakaita sekuti nguva yakambomira kufamba ipapo pandakanga ndakavhara maziso nekuti kwakaita chinguva pasina chakanga chichitika. Amai, Piwai naNeria vakanga vachiridza mhere.
Ndakasvinura kuti ndione kuti sei zinyoka riye rakanga risi kusvika patiri. Pandakavhura maziso, ndakapotsa ndasvetukira mumvura nekuti zinyoka riya rakanga zvino rava pedyo pedyo nesu zvakanyanyisa, uye rakanga rakashama zvekuti tese tainyatsoona mazizino aro anenge tsono, nemaziziso aive matsvuku tsvuku achityisa. Parakanga rasvika patiri, baba vakaita gamba rinotyisa. Vakatora chimwe chezvirauro zvavo vakarova zinyoka riye. Chirauro chavo chakarira kuti kwipu vachirova zinyoka riya nesimba ravo rese, zvekuti musoro wenyoka wakabva wadimbuka.Tese takaombera nekufara nekuti takanga tatarisana nerufu. Sezvo takanga tatosvika pamahombekombe, tese takadzika nekukasika tichiita zvekusaidzirana. Hapana akanga achiri kuda kuramba ari munzvimbo yerufu iyi. Tese zvedu, kusanganisira nababa, takanga tichidedera nekutya.
Mvura yepanzvimbo patakabuda napo yakanga yazara ropa rezinyoka riya. Ipapo amai vakati “Ngatibvei pano. Ini handichanzwa zvakanaka. Ngatidzokerei kuhotera.”
Kana nazvino handizivi kuti chii chakaitika nekuti tese takatanga kufamba nenzira yataifunga kuti ndiyo yaitiendesa kuhotera, asi takazongoerekana tave kufamba neimwe nzira isiri yatakanga tamboshandisa. Panguva iyi, hapana akanga achitaura. Baba ndivo vakanga vari kumberi. Kana neshiri dzakanga dzakanyarara kuti zii. Zuva rakaita sekuti rakwidibira. Pane zvakanga zvichiitika pamamiriro ekunze, nekuti kwakanga kwave kuita sekuti kwave kuda kunaya asi kuine mhepo. Ini ndakamboda kuti kuna baba, “Nzira yedu inenge yasiyana” asi ndakatya kutaura nekuti vamwe vese vakanga vachifamba vakanyarara, saka ndakangotevera kumashure ndichifambisa ndakangonyarara zvekunge ndichapiringisha Neria aive pamberi pangu. Ndakanga ndiri kufunga zinyoka riya parakanga richipenya uye richityisa. Ndakanga ndichiri kufunga ropa rakanga razara mumvura. Ndakanga ndisisade kuti tiende kumwe kunhu. Ndakanga ndave kuda kuti tidzokere kuhotera ndinoona zvangu tiivhii ndiri mumagumbeze. Kana zvandakanga ndichiudza shamwari dzangu kuti ndichatora mifananidzo yakawanda ndigovatumira, ndakazvikanganwa. Ndakanga ndazadzwa nekutya. Kana uchinge wabatwa nekutya unokanganwa zvinhu zvakawanda. Ndakakanganwa kuti kuswera mangwana yaive Kirisimasi. Ndakakanganwa kuti ndaive neiphone nemusoro wakarukwa mashabha.
Takaramba tichifamba kwechinguva takanyarara asi baba vakazongoerekana vamira, zvekuti vanhu vese vaive mumashure mavo vakanodhumhana. Ndinofunga kuti ini semunhu aive kumashure kwevamwe vese ndaitya kuti tingangoteverwa nezinyoka riye. Asi chakanga chaita kuti baba vamire ndechekuti musango imomo matakanga tichifamba, pamberi pedu pakangoerekana pave nechikafu chakawanda chaive chiri mumabhodho emakumbo matatu akawanda akanga asina kukwidibirwa. Panzvimbo yaive nemabhodho mazhinji aya, hapana kana munhu kana moto wekubikisa chikafu ichi watakaona. Takambofunga kuti tabuda nekune rimwe divi rehotera asi zvakanga zvisiri izvo.
Chikafu chaive pamberi pedu ichi chainhuhwirira zvinokanganisa pfungwa. Ndakanzwa Piwai ave kufamba akananga kupoto yenyama yaive nemuto waibwaira achiti, “Ndafa nenzara ini! Ndinogona hangu kutora nyama ndidye here?” Asi baba vakabva vati nezwi rakasimba “Iwe Piwai! Dzikama! Pane zvisina kumira mushe pano! Tarasika, asi pane zviri kuitika munzvimbo ino. Ngatidzokere nekwatabva nako. Zvechikafu izvo siyana nazvo.” Baba pavakangopedza kutaura izvozvo chete, mabhodho echikafu aye ese akabva atanga kufamba netumakumbo twawo achinonyangarikira mumakwenzi. Pachakanga chiri pakamera miti, makwenzi nehuswa. Takazara nekutya kukuru kwazvo. Taiita kunge vanhu vari kurota hope dzinotyisa. Amai vakati “Baba ngatibvei pano. Ini ndiri kutya ini. Zvii zviri kuitika munzvimbo ino?”
Baba vakabva vati, “Nditeverei uye mumbomira kutaura.”
Takatanga kutevera baba, asi zvatakanga tichiona zvaityisa. Takatanga kuona hohwa hwakanga hwakakura zvekuenzana nedzimba dzehuswa. Hohwa uhwu hwakatanga huri hushoma asi pekupedzisira hwakatanga kuwanda zvekuti hwakativharidzira kwataienda. Takanga tisisaone, uye tisisakwanise kufamba tichienda kumberi. Takanga tave kudikitira, uye tichinzwa nyota yakanyanya. Baba vakabvisa magirazi avo vachibva vatura befu. Neria naPiwai vakange vave kuchema. Baba vakabva vavakarira nenzwi rine hasha kuti vanyarare. Ini chandakange ndichinyanya kunzwa kwaive kurova kwehana yangu ichimhanya zvekuti yaigona kukunda mapapiro ehuku yabatwa kuti iurayiwe – pa! pa! pa! pa!
Baba vakatanga kufamba vachidzokera kwatakanga tabva nako, kwakanga kusina hohwa hwakawanda. Piwai akabva ati, “Ndiri kuda kuita weti.” Amai vakati, “Ita ipapo pauri.” Piwai akafuratira achibva atanga kurasa mvura, asi haana kupedzisa nekuti pasi paakanga achirasira mvura pakabva patanga kuvhurika, kuita gomba pachifamba kuuya nekwaari. Ipapo Piwai akaridza mhere. Patakaona kuti pasi pakange patanga kutsemuka pachifamba, tese takabva tatanga kutiza. Zvakanga zvichiita sekunge tiri mufirimu rinotyisa. Tichimhanya kudaro, Piwai akabva apiringishwa nechimuti akadonha. Akabva atanga kuchema achiti “Amai , mhai kani! Ndave kufa!” Ipapo amai vakabva vacheuka vakati nezwi rinenge yesheshe iri kuwira nhiyo dzayo, “Iwe! Siyana nemwana wangu!” Tese hatina kuziva kuti amai pane wavakanga vachiona here, asi pavakangodaro chete pasi paya pakabva pamira kuvhurika. Piwai paakangoona chete kuti pasi hapacharamba pachitsemuka, akabva akambaira nesimba rake rese achibva anowira mumaoko aamai. Tese takatura befu rakasimudza mashizha aive pasi.
Pakasimuka mashizha takabva taona chishamiso pavhu rakanga risina mashizha. Takaona mudungwe wetunzavhi twakanga twune mavara akasiyana siyana tuchifamba twakabatana miswe. Ipapo Neria akabva ati,” Esi, hona tumarwaivhi utwo.”
Baba vakati nehasha, “Kana maona zvamaona, onai makanyarara musingadaidzire sezvamuri kuita! Hamusi kuona here kuti muno tabatwa nechadzimira pamwe chete nemashiripiti enzvimbo ino. Tinofanira kudzikama tisatendere zviri muno kuti zvitikurire. Nyararai muti mwiro. Nyararai. Mazvinzwa? Ndati nyararai!” Baba vakatarisa Piwai vakaona kuti akanga asara nebhutsu imwe chete. Imwe yacho hameno kwayakanga yarasikira. “Iko zvino ngatifambei takanyarara, mombomira zvekurasa mvura kana zvimwe zvekungotaura-taura.”
Takatanga kufamba zvakare. Takangosiya tunzavhi twuye twuchifamba kuenda kwatwaienda. Ndakabva ndarangarira kutora mapikicha. Ndakaburitsa iphone yangu, ndichibva ndabaya pekutora vhidhiyo, asi foni yangu yakabva yangodzima kuita seyapera bhatiri. “Oh no,” ndakataura ndichiratidza kurwadziwa zvese nekushamisika.
Baba namai vakakurumidza kucheuka vachifunga kuti pane chakanga chaitika kwandiri. Baba havana kufara pavakandiona ndakanongedzera foni yangu patunzavhi twuye zvekuda kutora vhidhiyo. “Esther, wakakwana here iwe? Uri kunzwisisa here kuti tiri munjodzi huru? Siyana nezvekutora mapikicha wazvinzwa!”
Ndakavaudza kuti foni yangu yakanga yadzima, saka pakanga pasina chekutya. Ndakabva ndavati, kana foni dzenyu dzine moto nenetiweki madii kufona kuhotera mutaure kuti tarasika, uye tiri panjodzi.
Baba vakatura befu, uye vese namai, Piwai naNeria vakaburitsa foni dzavo, asi pakanga pasina kana netiweki. Vachitarisa mafoni avo kudaro, kwakangoerekana kwava kunaya mvura zhinji zvekuti mafoni ese akadzoserwa muhomwe. Baba vakati timire, tisafambe. Takamira pasi pemuti kunze kuchinaya mvura yaiita kunge iri kudirwa nemabhaketi – jakachaka. Mushure menguva refu, nekuti hapana akange achirangarira kuti kune wachi, kwakazomira kunaya. Mvura yakatibatsira kuti titonhorerwe nekupedza nyota. Pakapera mvura kwakabva kwauya hwiza zhinji dzakanga dzichibhururuka nepamusoro pedu. Dzakanga dzakawanda zvekuti dzaisaverengeka uye dzakabva dzaita kuti kunze kuite sehusiku. Mushure menguva refu kwazvo, hwiza dziya dzakazopera. Ipapo ndakafunga zano rakandifadza neniwo. Ndakabva ndasimudza ruoko. Baba vakanditarisa neziso raiti, “Usabvotomoke Esi.” Amai ndivo vakazoti, “Chii Esi?”
“Ndine zvandafunga zvinogona kutibatsira”, ndakataura ndichitya.
“Zvii zvingatibatsire musango muno zvingadarike zvandiri kuita?” Baba vakabvunza nehasha. Baba vaingodaro zvavo, asi kutaura chokwadi vakanga vapererwa, uye pakanga pasina chavakanga vachiita kunze kwekuita hasha.
Baba havaite hasha asi apa ndakaona kuti zviitiko zvekuNyanga zvakanga zvave kuvakurira. Amai ndivo vakazoti, “Chii chauri kufunga Esi?”
“Ndiri kufunga kuti baba vakwire mumuti wakareba. Kana vakwira mumuti vatarise kuti kwatiri kufanira kuenda ndekupi.” Ndakaziva kuti ndataura zvine musoro nekuti ndakaona baba vachinyemwerera.
Baba vakabva vati, “Waita zvako Esi. Wakachenjera mwanangu. Ngatitsvage muti wakareba, asi munhu angatokwire mumuti ndiPiwai.” Takatanga kutsvaga muti wekukwira, asi sango rataive iri rakanga riri rezvishamiso. Patakawana muti wekuti Piwai akwire aone kuti kuHotera kwatakanga tabva ndekupi, takasangana nezvimwe zvishamiso. Piwai paaikwira muti, muti uye wakatanga kuita mupfupi uchinyura muvhu zvekuti wakazopedzisira wangove kagwenzi. Amai vakabva vati, “Ibva pakamuti ikako Piwai. Handichada kuti utange zvimwe.”
Baba vakatanga zvakare kufamba asi ndakanga ndave kuona kuti vaneta uye havasisina chokwadi nekwavari kuenda, asi isu takaramba tichingovatevera, uye ini sepakutanga ndiri kumashure kwevanhu vese. Tichifamba takaita mudungwe kudaro, ndakangoerekana ndave kunzwa sekuti kumashure kwangu kwaive nechinhu chaititevera. Pandakada kuti ndicheuke, ndakanzwa chitsitsinho changu cherudyi chichigumwa nechinhu. Chinhu chakandigumha chaive chinyoro. Mumusoro mangu makangouya zinyoka riye. Ndakaridza mhere ndichimhanya kuenda kumberi, asi ndakabva ndadonha. Pandakacheuka ndiri pasi kudaro, ndakaona kuti ndaive ndananzvwa nekambwa. Kaive kambwa katema kane mvere dzinenge dzehwai, uye kaive nebhandi muhuro nekasimbi kakanga kakanyorwa. Ndakasimuka uye vamwe vese vakanga vatarisa kambwa kaye. Ndakatarisa baba ndichimirira kuti vandiudze zvekuita. Ndega ndakabva ndaona kuti kambwa kaye kaive kambwa kaifarira vanhu. Pandakasimuka kambwa kakabva kauya kakandinanzva kachipinimidza muswe wako, asi baba vakabva vati, “Esi dzinga kambwa ako nekuti kanogona kunge kaine zvakakagara kana kuti kari nhume yevaroyi! Heyi! Hamba!” Nyangwe baba vakakadzinga kambwa kaya kaingosuduruka zvishoma kobva kadzoka zvakare. Baba vakazongokasiya kachititevera.
Ndakanga ndaverenga zita raive pabhandi remuhuro mako. Kainzi Shoes. Ndakaseka nekuti ndakashaya kuti kakange katumidzwa zita iri naani uye zvakonzerwa nei. Zvisinei, Shoes kakanga kandifarira kudarika vamwe vanhu vese, saka kakanga kave kufamba kari padivi pangu. Ini ndakanga ndichifamba ndichipishana nepfungwa kuti muridzi waShoesakazondiona ndichiteverwa nekufarirwa nekambwa kake haatsamwe here. Ko iye muridzi wekambwa aka akange ari kupi? Tichifamba kudaro, takaona kumberi kwedu kwave nemunhu asi akanga akapfeka nhembe, kumusana akabereka mukutu wemiseve. Mumaoko ake akanga akabata pfumo neuta. Baba pavakafambisa kuti vamutaudze, akabva ashanduka kuita shiri inonzi gora achibva abhururuka achienda. Tese takaona zvakanga zvaitika. Takazadzwa nekutya kwakanga kwambonyevenutswa nekuda kwaShoes. Ini mubvunzo wandakanga ndave nawo wakanga uri wekuti tichabuda munzvimbo ino tiri vapenyu here, uye kana tiri taizobuda, taibuda chirudzii? Mushure mekunge munhu-shiri uya abhururuka, takatanga kunzwa kuchema kwemhuka dzakasiyana siyana. Tainzwa kudzvova kweshumba, kurira kwemapere nekukwemba kwenzou.
Baba vakabva vati nezwi riri pasi pasi “Garai pasi mese. Garai pasi.” Tese takagara pasi kusanganisira naivo. Patakagara pasi, midzi yemiti yaivepo yakabva yatanga kumera nekukasika kukuru ichibuda muvhu ichitisunga makumbo nemaoko. Ipapo ndipo pandakati taparara. Hapana akakwanisa kutsukunyuka kana kurwisa midzi iyi nekuti yaive yakasimba kunge simbi. Tese takakanganwa kuti baba vakanga vati tisaite ruzha. Takaridza mhere tichiedza kuzvibvisa pakumonerwa nemidzi kwatakange tichiitwa. Kana ndiri seni dikita rekutya rakanga rave kupenya paganda rangu kunge munhu azora mafuta. Kuchema kwemhuka kwatakanga tanzwa kwakanga kwave kunyanyisa kunzwikwa kuchiswedera pedyo pedyo nesu. Ukuwo midzi yemiti yakanga yatisunga yakatanga kubuditsa mvura inenge ropa. Tese takabva tangobatwa nehope takangodaro zvekuti hatizive zvakazoitika.
Takazopepuka ave mangwana acho. Patakamuka tese takanga takazara mavhu nemashizha. Takanga tichiita sekunge tafukunurwa muvhu. Dai foni yangu yakanga ichiri kushanda, handaida kuti tizvitore mapikicha nekuti taityisa. Amai vakanga vasisina Brazillian wivhi yavo. Baba vakanga vasisina magirazi avo. Inini mashabha angu akanga ave kunhuhwa, uye asviba kunge ….. Midzi iya yakanga yatisunga yakanga yabva. Patakamuka tese takabva taona matsimba eshumba patakanga tiri. Panguva dzino, shiri zhinji dzakanga dzichiimba. Takasimuka patakanga tiri pasina aitaura nemumwe tikatanga kutevera baba. Ini ndakange ndave kuda kuudza baba naamai kuti vandisiye nditsvage ndega nzira yekuenda kuhotera, asi ndakanga ndichitya kuti pamwe ndingangozodyiwa neshumba kana kusangana nenyoka iye ndiri ndega. Handizivi kuti imhaka yekuti ndakanga ndafunga nezvezinyoka riye here kana kuti chii, asi tichifamba kudaro baba vakangoerekana vamira vachidedera. Ndakatarisa kuti ndione kuti chii chaiitika, ndichibva ndaona zinyoka riye rakanga radimburwa musoro nababa riri pamberi pavo. Rakanga risina musoro asi richitaura nepachironda richiti, “Ndipe musoro wangu! Kana ukasandipa musoro wangu, ndichatora musoro wako, ndiuite musoro wangu. Ndati ndipe musoro wangu!”
Ndakangoti nechemumwoyo “pano ndipo paperera sarungano.” Zinyoka riye rakati, “Ndichamboenda kunotsvaga banga kuti udimure musoro wako undipe ndiise panga paine musoro wangu wawakadimura.” Ipapo baba vakabva vati mvorokoto kupfugama pasi vakati “Ndapota zvangu! Ndiregerereiwo. Ndakakanganisa.” Ndakanga ndisati ndamboona baba vangu vachinzwisa tsitsi pamwe chete nekutya, saizvozvo. Chiso chavo chakange chashanduka nenguva diki diki, chave kuita secheharahwa yakare. Zinyoka riye rakabva rati, “Chii chinonzi kuregerera! Ini munyika yangu hamuna inzwi iroro, saka handizive zvarinoreva. Toonana ndadzoka munguva pfupi inotevera.” Rakazvonyongoka richipinda nemuhuswa richisiya muhwezva weropa rinonhuhwa. Handizivi kuti chii chakaita kuti ndiise maoko angu muhomwe dzejini rangu. Imomo ndakabata chuma cherosari chine muchinjikwa waJesu. Ndakabva ndati, “Ko tadii tambonamata nhai?” Baba vese naamai vakabva vanditarisa. Baba vakati nezwi rakazhezhera, “Namata Esi.”
”Chokwadi ngatipfugame tinamate,” Amai vakatsinhira vachiratidza kuti vakanga vave nesimba idzva. Ndakati Mwari vakati ‘Dana kwandiri pazuva rekutambudzika. Ndichakurwira iwe ugondirumbidza.’ Hapana akandidaira. Takapfugama tese tikatanga kunamata nemwoyo yedu yese tisingambofunga chimwe chinhu kunze kwekuti Mwari atibatsire, nekuti zvatakanga tichiona izvi zvakanga zviri zvemweya yerima chaizvo. Dai vanhu vese vanonamata vachiita munamatiro watakaita musi uyu, chokwadi zvishamiso zvaiitika. Patakapedza kunamata amai vakabva vangosimuka vakati, “Zuva riri kubva uku, saka isu tiri kufanira kuenda uku kwariri kubva uku.” Hapana akaita nharo, asi hatina kumbofamba zvekuenda kure tichibva tatoona nzira yaienda kunzvimbo yaive nehotera.
Takawana vanhu vakazara nekusuwa kukuru nekuti takanga takwanisa mazuva matatu tiri musango, uye vakanga vasisina tariro yekuti tichadzoka tiri vapenyu. Kune vanhu vakawanda vakanga vaedza kunotitsvaga asi vakadzoka vasina kana chinhu chidiki zvacho chairatidza kuti takanga tiri musango umu. Patakazorondedzera zvese zvakanga zvaitika, takaudzwa kuti dai tisina kurova nyoka yakanga yabuda mumvura, dai tisina kusangana nematambudziko akatiwira. Zvakanzi nyoka yakaurayiwa nababa yaiia seinoda kutiruma, asi dai takadzikama yaingozotisiya yodzokera mumvura. Asi ini handina kufara nezvese izvi nekuti takanga tave kuzviudzwa isu tatombopotsa tafa, uyewo mushure mekunge iphone yangu yazorasika zvese nemaSquare sunglass angu.
Takazonzwa kuti Shoes yaive imbwa yemumwe muchena akanga ashaikwa musango imomo makore maviri akapera. Vanhu vaifunga kuti iye nembwa yake zvese, vakafa. Takaudzwa nyaya zhinji dzemashiripiti ekuNyanga, asi isu takanga tisisade zvekuramba tiri kuNyanga. Amai vakanga vachifanira kunge vave kubasa kwavo kuchipatara, saka takabva tangosimuka masikati emusi iwoyo.
Ndakadzokera kuHarare ndisina mapikicha, uye ndisisina mashabha angu. Mashabha angu takazoabvisa nekuti ainhuhwa kumwe kunhuhwa kunorutsisa. Nyangwe zvangu ndakanga ndisina mapikicha kana mashabha, ndakanga ndine nyaya inenge firimu. Uyewo ndakanga ndave nembwa yangu Shoes yakafanana netumbwa twemumafirimu. Shoes ndakaipihwa nevanhu vehotera. Vakati ndaikwanisa kuenda nayo kumba.
Zuva rakatevera waive musi wa27 December, uye Kirisimasi yakanga yatopera tiri musango. Kirisimasi yekuNyanga yakatidzidzisa kusakanganwa Mwari tichiti yave nguva yezororo. Takadzidza kuti Jesu ndiye anowanisa zororo chairo nekuti dai tisina kunamata musango ratakanga tabatwa nechadzimira kuNyanga, kutaura kuno tigadai tisipo. Iko zvino ndamirira kuti iphone yangu itsva yandakatumirwa naTete Alice kubva kuUK isvike. Munongozivawo kuti mazuva ano isu vechidiki hatichagona kurarama tisina foni dzedu. Ndiri kuda kutora mapikicha ndiina Shoes ndimbopisa paSocial Media.