Magen’a izwi rinoreva zvinhu zviviri. Magen’a izita retsuro yemungano dzedu vaShona yakangwara kwazvo uye inoshandisa njere kupona muzvinhu zvakaoma zvainosangana nazvo. Tsuro Magen’a haararame ari ega, ane vamwe vake vanosanganisira sekuru vake Gudo, vanaShumba, Nzou, Bere, Mhembwe nevamwe. Saka gen’a izwi rinobva pane rechirungu rinoti gang, uye rinoreva chikwata chevechidiki vanozivana nekutamba vese. Magen’a imagazini rerurimi rweChiShona rekukurudzira vechidiki (makore 14-24) kufunga, kuronga, kugadzirisa, uyewo kunyora nekuverenga. Hatidi kungonyora chete, asi tinodawo kudzidza nekutamba nemutauro weChiShona nenzira inoratidza humhizha hunogan’a saMagen’a.
Archive
Update on John Gambanga
02 Apr 2016
When out-of-print books become just memories
28 Sep 2015
Twin raise funds for rural libraries
24 Sep 2015